14/01/2026
So soon after A level I did temporal teaching, saka mari haingouya ka1 ka inozouya after zvimwedzi zvakati kuti, ndaenda paya kuKaroi, ndaiticha kumachonyonyonyo kuMashongwe uko deep in the land of chakasara in Hurungwe. Salary yangu yaisvikira muka account kangu kePOSB kevana kaya, bank teller akati mari iyi ndeyako ndikati ehe ndeyangu, zvikanzi uuum manje mari yawanyora apa yakawandisa tora shoma, ndinomutenda bank teller iyeye nekuti mari yese ingadai yakaperera kuCerelac. Hanti you know kuti maticha aiwanzotambira Tuesday, saka this was a Tuesday ndapuwa mvumo na head kuenda kupay, ah ndapuwa mari yangu paya, ndaenda ma Edgars haa ndashoppa, ndaenda maTM ndashopa, mainly Celerac, grapes , chompkins etc etc... ndadzokera kuchikoro paya, after 3 days cerelac yapera, handiti isu taka jaira kuugarira uno mukonde we sadza saka cerelac unotoda iri ndiro huru chaiyo, wodyei manje mwanasikana apa uri pakati pechakasara, that weekend went back to town, withdrew more cash and learnt to buy basics, ndiko kwakava kuziva kuti haiwa cerelac ndeyevana, an adult can't live on cerelac alone. But here and there I used to buy it only to realise that haichanaka seyekudhara...its was when i got to Bangladesh I realised that their cerelac was still the same as ours yekuma80s, haaa apa kuhotel kwaiservvwa spicy food, ndakaidyawo sei cerelac, but then I gained weight, kuita mombe chaiyo, ndipo pakazopera hukama necerelac. My current toddler refused cerelac completely, ndakangoti Mwari kudzwai, inga miyedzo yanga ichazondibata, ndopandakawona kuti God works in his own ways kukatanura vanhu vake out of all troubles. Haa Mwari vakayamura munhu wavo kubva munjodzi.. What's your experience with cerelac? Taurai chokwadi